Shoko Reevhangeri
– Doverengaiwo zvinotevera
Gen 1:1 | Pakutanga Mwari wakasika denga nenyika. |
VaRom 3:23 | nekuti vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari. |
Joh 8:34 | Jesu akapindura, akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unoita zvivi, ndiye muranda wezvivi. |
Mwari wakatisika asi hatimuzivi uye takaparadzaniswa naye nekuda kwechimiro chedu chezvivi. Upenyu hwedu pasina Mwari haurevi chinhu uye hauna maturo. Mubairo (muripo) wechivi chedu rufu, rwemweya pamwe nerwenyama. Rufu rwemweya zvinoreva kuparadzaniswa naMwari. Rufu rwenyama kuora kwemuviri. Kana tikafira muchivi chedu, tichava vakaparadzaniswa naMwari nekusingaperi uye tinoguma tava mugehena. Tingazviponesa sei kubva pazvivi zvedu tidzokere kuna Mwari? Hatigoni kuzviponesa nekuti hazvigoni kuti munhu mutadzi azviponese (sezvinoita munhu unonyura asingagoni kuzviponesa). Kana vamwe havagoni kutiponesa nekuti tose tiri vatadzi ( umwe munhu unonyura haagoni kuponesa umwe munhu unonyura, vose vanoda rubatsiro) Tinoda uyo usina chivi (usinganyuri) kuti atiponese pazvivi zvedu. Munhu usina chivi oga ndiye unogona kutiponesa.
Ndeipi nzira yekuwana nayo munhu usina chivi munyika yezvivi apo vose vakatadza?
VaRom 6:23 | Nekuti mubairo wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndibgo vupenyu bgusingaperi munaKristu Jesu, Ishe wedu. |
Joh 3.16 | Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ani nani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave novupenyu bgusingaperi. |
Mat 1:23 | Tarira, mhandara ichava nemimba, ichazvara mwanakomana, vachamutumidza zita rinonzi Emanueri; ndokuti kana zvichishandurwa: Mwari anesu. |
Joh 8.23 | akati kwavari: Imi muri vapasi, ini ndiri wokumsoro; imi muri venyika ino, ini handizi wenyika ino. |
Mark 1:11 | inzwi rikabva kudenga, richiti Ndiwe Mwanakomana wangu unodikamwa, ndinokufarira. |
Joh 8:36 | Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo. |
Joh 3:3 | Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asingaberekwi kutsva, haangavoni vushe bgaMwari. |
Joh 1:12 | Asi vose vakamugamuchira, wakavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivo vanotenda kuzita rake; |
Mwari, iye wakatisika akatida zvikuru, wakatipa nzira yekubuda nayo. Zvichibva parudo rwake rukuru kwatiri, wakatuma Mwanakomana wake pachake, Jesu, kuti afire zvivi zvedu. Jesu haana zvivi nekuti haabvi panyika, uye ari panyika, wakakunda muedzo wechivi. Upenyu hwake hwakafadza Mwari kudenga. Jesu wakatora zvivi zvedu akafa pamuchinjikwa nekuda kwezvivi zvedu. Ndiye muponesi weupenyu hwedu (Jesu unogona kutiponesa nekuti wakange asinganyuri) Chikonzero chekufa kwaJesu pamuchinjikwa ndechekuripa muripo wezvivi zvedu uye, zvakadaro, unobvisa zvivi zvedu kwatiri nekudzorera ukama hwedu naMwari hwakagurika. Tinomuka kubva parufu rwemweya (kuparadzana naMwari) nesimba raMwari. Ukama utsva uhwu hwunonzi kuberekwa kutsva. Izvi zvinotidzorera kubasa ratakasikirwa nekuvapo, uye, zvinotipa chinangwa chechokwadi uye zvatinoraramira.
Joh 11:25 | Jesu akati kwaari: Ndini kumuka novupeny; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama. |
VaRom 6:9 | tichiziva kuti Kristu, amutswa kuvakafa, haachazofi; rufu haruchavi nesimba pamsoro pake. |
Mab 2.24 | iye wakamutswa naMwari, amusunungura pakurwadziwa kworufu; nokuti zvakanga zvisingabviri kuti abatwe narwo. |
VaRom 14.9 | Nokuti Kristu wakafira izvozvi, akararamazve kuti ave Ishe wavose – vakafa navapenyu. |
Mab 1:11 | ivo vakati: Imi varume veGarirea, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu , wakabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, uchavuya saizvozvo, sezvamunimuvona achienda kudenga. |
Ndehwupi umbowo hwekuti chibairo chaJesu achifira zvivi zvedu chakagamuchirwa naMwari kudenga?
Umbowo kumutswa kwaJesu kuvakafa naMwari. Nekumuka zvinoratidzwa pachena kuti Jesu wakakunda rufu( kana, nemamwe mashoko, rufu harwuna simba pamusoro pake) Naizvozvo ikozvino nekuda kwekuti Jesu mupenyu, tinogona kuraramawo. Upenyu hwake matiri hwunotipa upenyu. Uye nekuti wakamuka kuvakafa, mupenyu nhasi.
Joh 5:24 | Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unonzwa shoko rangu nokutenda wakandituma, unovupenyu bgusingaperi; haavuyi mukutongwa, asi wabva murufu, waenda muupenyu. |
Joh 10:9 | Ndini mukova, kana munhu apinda neni, uchaponeswa, uchapinda, uchabuda, uchawana mafuro. |
Joh 14:6 | Jesu akati kwaari: Ndini nzira, nezvokwadzi, novupenyu; hapanomunhu unovuya kunaBaba, asi nokwandiri. |
Joh 8:24 | Naizvozvo ndakati kwamuri: Muchafira muzvivi zvenyu, nokuti kana musingatendi, kuti ndini iye muchafira muzvivi zvenyu. |
Mab 4:12 | Nokuti hakuna kuponeswa kunomumwe; nokuti hakunerimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu, ratingasunungurwa naro. |
VaRom 10:13 | nokuti ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.” |
VaRom 10:11 | Nokuti rugwao runoti: Ani nani unotenda kwaari, haanganyadziswi. |
VaRom 2.11 | Nokuti Mwari haatendi zvinovonekwa zvomunhu. |
VaRom 3:22 | ndiko kururama kwaMwari kunovuya nokutenda kunaJesu Kristu kunavose vanotenda; nokuti havasiyani, |
VaRom 10:9 | kuti, kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumoyo mako, kuti Mwari wakamumutsa kuvakafa, uchaponeswa |
Zvivi zvedu zvingbviswa sei kuti tigamuchire upenyu utsva uhwu?
Nekutenda kuna Jesu saIshe wedu nemuponesi wedu. Kana tikatendeuka panzira dzedu dzezvivi tikadana kuna Jesu kuti atikanganwire nekutiponesa, unozviita. Jesu Mwanakomana waMwari wakauya panyika kuzofira zvivi zvedu. Vose panyika vanoisa chivimbo chavo maari vachagamuchira kukanganwirwa kubva kuna Mwari, vachaponeswa pazvivi zvavo (nepagehena) uye vachagamuchira upenyu utsva kubva kuna Mwari. Mwari haana rusarura. Haakanganiswi mafungiro nenyika yatinogara, mutauro watinotaura, vapfumi kana varombo, varume kana vakadzi, vadiki kana vakuru, kana kumwe kusiyana kwepanyama. Ani nani unotenda uye unopupura Jesu uchaponeswa. Unotevera munyengetero waunganyegetera kana wafunga kutevera Jesu
Mwari vari mukudenga, ndinokutendai nekutuma Mwanakomana wenyu umwe oga, Jesu, kuti afire zvivi zvangu kuti ndigoponeswa ndive neupenyu utsva hwunobva kudenga. Ndinotendeuka panzira dzangu uye ndinokumbira kanganwiro pazvivi zvangu. Ndinotenda kuna Jesu uye ndinogamuchira Jesu saIshe nemuponesi wangu. Ndibatsirei uye nditungamirirei kurarama upenyu hwunokufadzai muupenyu utsva uhwu hwamunondipa.
Ameni
Kana waita munyengetero uri pamusoro, kumbira Mwari kuti akuratidze kereke yaungaenda. Taura naMwari mumunyengetero nguva zhinji uye Mwari uchataura newe. Teerera kuinzwi raMwari. Mwari uchakutungamirira. Unokuda uye uchakuchengeta. Unogona kuvimba naye. Haatongonyadzisi avo vanovimba naye. Mwari ndiMwari wakanaka. Unovimbika. Unogona kuzembera paari paupenyu hwako. Isa zvaunoshaiwa pamberi pake. Unokuchengeta uye uchakuropafadza. Mwari wakati: Handingatongokusiii kana kukuregerai. Vimba naMwari. Uropafadzwe nekuda kwaJesu.
Verenga bhaibheri nguva zhinji, uchitangira pabhuku raJohwani.